Mapostori responds to Magaya

Dhimoni rako rino torerwei picture, rino torerwei video nhai VaMagaya?

Nhai man of 'God'; nhai prophet..., munotorerei ma video vanhu vakapfekwa vakazadzwa nemweya yetsvina madhimoni moisa pa tv? Kuburitsa dhimoni pa tv? Ko maakushandisa nhamo dzevanhu kusimudzira mazita enyu nee church yenyu?


That is taking advantage of the vulnerable in society ( that is kana venhamo dzacho vari vechokwadi vasiri ma actor). Jesu havana kumbo shambadzira zvirwere zvavakange vabvisa pavanhu; havana kuyanika vanhu ava kuti vaonekwe nenyika yose kuti nhasi avabatsira avabvisa mweya wetsvina.

 Ko wenyu mweya uyu mweya werudzii unotobva wabata mic woisa pamuromo peabviswa dhimoni onzi chitaurira pasi rese pa tv zvandakuitira zuva ranhasi? Ko iwe munhu wa man of God, munhu wa prophet; Dhimoni rako rinoisirwei paTV, rinoisirwei pa fesibhuku, rinoisirwei payutube?
Nhai munhu; ko sei uchibvuma kutorwa picture nema video munguva yekuti unenge uchinzi wakazadzwa ne demon? Usatange kuti ndinenge ndisingaoni nekuti ndinenge ndaa kushandiswa nedhimoni. Iyoyo haisi excuse nekuti pawanga usati wadaidzwa kuti uitwe izvozvo handiti watoona vamwe vachi zviitwawo, watoona Prophet nevabatsiri vake vachi filmer madhimoni? Kutobuda paTV ya prophet inoonekwa nenyika yese wakaita kubatiranwa uchiita mbiri yekuumburutswa ne demon? Dhimoni dzinza pauri kuonekwa nenyika yose paTV? Kuti kana waakufamba unoita mbiri yeku nongedzwa uchinzi ndivo mukoma vaye vainge vakazadzwa nedhimoni raifamba senyoka, uchinzi ndivo sisi vaye vainge vari paTV vakazadzwa nedhimoni rechipfambi? Wotonzi ndivo mai vaye vekubuda paTV hembe yavo yakafuguka vachi gwesheswa nedhimoni? Haunyari kutonzi avooo ndivo baba vaya vatakaona paTV vaka batiranwa vachinzi dhimoni rema ngoromera pavari raida kurova vese vanga vakaungana? Saka nyika yose yotokuonaka hayo uri under the influence of demons? Boss vekubasa votokuonaka havo; atezvara votokuonaka; mukwasha otokuonereraka paTV hembe dzakafuguka? Neari kuda kuzokuroora uyo otokuonaka uchi gwesheswa nedhimoni? Pepukai! 
Sekuru Nhova
, , , , , ,